Luke 9

Jesu Anotuma Vane Gumi naVaviri

1Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere, 2akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara. 3Akavarayira achiti, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo. 4Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo. 5Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.” 6Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.

7Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa, 8vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka. 9Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.

Vanhu Zviuru Zvishanu Vanopiwa Zvokudya

10Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha, 11asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.

12Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”

13Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.”

Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”
14Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu.

Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”
15Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi. 16Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu. 17Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.

Petro Anopupura kuti Jesu Ndiye Kristu

18Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”

19Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kubva kuvakafa.”

20Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?”

Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.”

21Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake. 22Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”

23Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera. 24Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa. 25Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake. 26Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene. 27Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.”

Kubwinya kwaJesu paGomo

28Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera. 29Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni. 30Varume vaviri, Mozisi naEria, 31vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema. 32Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye. 33Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.

34Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore. 35Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.” 36Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.

Kuporeswa kwoMukomana Akanga Ano Mweya Wakaipa

37Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye. 38Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. 39Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. 40Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”

41Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”

42Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. 43Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.

Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
44“Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.” 45Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

Ndiani achava mukuru?

46Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani. 47Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake. 48Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”

49Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”

50Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”

VaSamaria vanoramba kugamuchira Jesu

51Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema. 52Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu; 53asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema. 54Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?” 55Asi Jesu akatendeuka akavatsiura, 56uye akabva akaenda kuno mumwe musha.

Mutengo woKutevera Jesu

57Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

58Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

59Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.”

Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”

60Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”

61Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”

62Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”

Copyright information for SnaBDSC